Psalms 106

1Rumbidzai Jehovha.

Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
2Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba,
kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?
3Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira,
vanogara vachiita zvakarurama.
4Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu,
pamunovaponesa, mundibatsirewo,
5kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu,
kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu,
uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.

6Takatadza, sezvakaita madzibaba edu;
takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.
7Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti,
havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu;
havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji,
asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.
8Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake,
kuti simba rake guru rizivikanwe.
9Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa;
uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.
10Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi;
akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.
11Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo;
hakuna mumwe wavo akapona.
12Ipapo vakatenda vimbiso dzake
vakaimba vachimurumbidza.

13Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita,
uye vakasamirira kurayira kwake.
14Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga;
vakaedza Mwari murenje.
15Saka akavapa zvavakakumbira,
asi akatuma chirwere chinopedza muviri pamusoro pavo.

16Vakaitira Mozisi godo mumusasa,
naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.
17Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani;
ikaviga boka raAbhiramu.
18Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo;
murazvo ukaparadza vakaipa.

19Vakaumba mhuru paHorebhi,
vakanamata chifananidzo chakaumbwa.
20Vakatsinhanisa kubwinya kwavo
nomufananidzo wehando, inodya uswa.
21Vakakanganwa Mwari akavaponesa,
uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,
22mabasa anoshamisa munyika yaHamu
namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.
23Saka akati, achavaparadza,
dai Mozisi, musanangurwa wake,
asina kumira pamberi pake kuti
adzore hasha dzake pakuvaparadza.

24Ipapo vakazvidza nyika inofadza;
havana kutenda zvaakavimbisa.
25Vakanyunyuta vari mumatende
avo vakasateerera Jehovha.
26Saka akapika akasimudza ruoko rwake
kuti achavaparadza murenje,
27achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi,
agovaparadzira munyika dzose.

28Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori,
uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
29Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa,
uye denda rikavapo pakati pavo.
30Asi Finehasi akasimuka,
akaita zvakarurama, denda rikaguma.
31Izvozvo zvakanzi kwaari kururama
kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa nokusingaperi.

32Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha,
uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33nokuti vakamukira Mweya waMwari,
Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.

34Havana kuparadza marudzi
sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35asi vakavhengana nendudzi,
vakatora tsika dzavo.
36Vakanamata zvifananidzo zvavo,
izvo zvakazova musungo kwavari.
37Vakabayira vanakomana vavo
navanasikana vavo kumadhimoni.
38Vakateura ropa risina mhosva,
iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo,
vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani,
nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39Vakazvisvibisa nezvavakaita;
vakazviitisa ufeve namabasa avo.

40Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake,
akasema nhaka yake.
41Akavaisa mumaoko endudzi,
uye vakatongwa navavengi vavo.
42Vavengi vavo vakavadzvinyirira,
uye vakavaisa pasi pesimba ravo.
43Akavarwira kakawanda,
asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira
vakaparadzwa muchivi chavo.

44Asi akatarisa kutambudzika kwavo
paakanzwa kuchema kwavo;
45akarangarira sungano yake nokuda kwavo,
uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.
46Akaita kuti vanzwirwe
tsitsi navose vakavatapa.

47Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu,
uye mutiunganidze kubva kundudzi,
kuti tigovonga zita renyu dzvene.
Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.


48Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri,
kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.
Vanhu vose ngavati, “Ameni!”

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC